Hebrews 12

Kuranga kwaBaba

1Naizvozvo nesu tine gore rezvapupu rakatikomberedza, ngatibvise mutoro wese nechivi chinonamatira nyore, ngatimhanye nemoyo murefu nhangemutange yatakaisirwa, 2takatarira kuna Jesu, muvambi nemupedzeredzi werutendo, iye nekuda kwemufaro waakaisirwa, wakatsunga pamuchinjikwa, achizvidza kunyadziswa, akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe chaMwari. 3Nokuti cherekedzai iye wakatsunga pagakava rakadai revatadzi vachimirisana naye, kuti murege kuneta, muchipera simba pamweya yenyu. 4Muchigere kupikisa kusvikira muropa muchirwa nechivi; 5uye makakanganwa kurudziro inokurukura kwamuri sekuvana ichiti: Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, kana kupera simba kana uchitsiurwa naye. 6Nokuti Ishe anoranga waanoda, nekushapura mwanakomana umwe neumwe waanogamuchira. 7Kana muchitsunga pakurangwa, Mwari anokubatai sevanakomana; nokuti mwanakomana ndeupi baba wavasingarangi? 8Asi kana musina kurangwa, pavanoitwa vagovani vese, naizvozvo muri vana veupombwe, uye kwete vanakomana. 9Uyezve takambova nemadzibaba enyama yedu aidzora, uye tikavakudza; ko, hatingazviisi zvikurusa pasi paBaba vemweya tigorarama here? 10Nokuti ivo zvimwe vakatiranga kwemazuva mashoma, semaonero avo; asi iye anotirangira kubatsirwa, kuti tigoverane utsvene hwake. 11Zvino kuranga kwese kunoenda pakuvapo hakuratidzi sekwekufadza, asi kwekushungurudza; zvakadaro pashure kunobereka zvibereko zverugare zvakarurama kune vakarovedzwa mazviri. 12Naizvozvo simbisai maoko akaremberera pasi nemabvi asina simba; 13uye gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi panzvimbo yeizvozvo chiporeswe. 14Tevererai rugare nevese, neutsvene, kunze kwezvizvi hakuna munhu achaona Ishe. 15Muchichenjerera kuti kurege kuva nemunhu anokundikana panyasha dzaMwari; kuti zvimwe mudzi wekuvava urege kukura kuzopa dambudziko, uye nawo vazhinji vasvibiswe; 16ngakurege kuva neumwe anova mhombwe kana asina hanya naMwari, saEsau, wakatengesa udangwe hwake nekudya kumwe. 17Nokuti munoziva kuti pashurewo, oda kugara nhaka yekuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yekutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.

Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare

18Nokuti hamuna kuuya kugomo ringabatwa, nerinopfuta moto, uye kurima, nekusviba, nekudutu remhepo, 19uye kurira kwehwamanda, nenzwi remashoko; iro ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rirege kuchitaurwa kwavari; 20nokuti vakakonewa kutakura icho chakange charairwa, chekuti: Kana kunyange mhuka ikabata gomo, ichatakwa nemabwe, kana kufurwa nemuseve; 21uye, chakaonekwa chaityisa kudai, Mozisi wakati: Ndinovhunduka, ndinodedera. 22Asi mauya kugomo reZiyoni, nekuguta raMwari mupenyu, kuJerusarema rekudenga, nekumazana evatumwa vasingaverengeki, 23kuungano huru nekereke yematangwe akanyorwa kumatenga, nekuna Mwari mutongi wevese, nekumweya yevakarurama vakapereredzwa, 24nekuna Jesu murevereri wesungano itsva, nekuropa rekusasa, rinotaura zvinhu zviri nani pane raAbhero. 25Chenjerai kuti murege kuramba uyo anotaura. Nokuti kana vasina kupukunyuka ivo vakaramba iye wakataura panyika zvinobva kuna Mwari, zvikuru sei isu kana tichifuratira iye anobva kumatenga; 26iye inzwi rake rakazungunusa nyika nguva iyo, asi ikozvino wakavimbisa, achiti: Kamwe chetezve ini ndichazungunusa kwete nyika chete, asi nedenga. 27Uye izvi zvekuti: Kamwe chetezve, zvinoratidza kutamiswa kwezvinhu zvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti zvisingazungunuki zvigare. 28Naizvozvo zvatinogamuchira ushe husingazununguswi, ngative nenyasha dzatingashumira nadzo Mwari zvinogamuchirika pamwe nekukudza nekutya Mwari. 29Nokutiwo Mwari wedu moto unoparadza.

Copyright information for Shona